Dhanieri 5:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Nekuti Dhanieri, uyo akatumidzwa kuti Bheteshazari+ namambo, aiva nepfungwa dzakapinza, neruzivo nenjere dzekududzira hope, nekududzira zvirahwe, nekujekesa zvinhu zvakaoma kunzwisisa.+ Saka shevedzai Dhanieri, uye achakuudzai kududzirwa kwacho.” Mabasa 7:9, 10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 Uye madzitateguru edu akava negodo naJosefa,+ akamutengesera kuIjipiti.+ Asi Mwari akanga ainaye,+ 10 uye akamununura mumatambudziko ake ese, akamuita kuti anzwirwe nyasha uye aratidze uchenjeri pamberi paFarao mambo weIjipiti. Uye akamugadza kuti atungamirire Ijipiti neimba yake yese.+
12 Nekuti Dhanieri, uyo akatumidzwa kuti Bheteshazari+ namambo, aiva nepfungwa dzakapinza, neruzivo nenjere dzekududzira hope, nekududzira zvirahwe, nekujekesa zvinhu zvakaoma kunzwisisa.+ Saka shevedzai Dhanieri, uye achakuudzai kududzirwa kwacho.”
9 Uye madzitateguru edu akava negodo naJosefa,+ akamutengesera kuIjipiti.+ Asi Mwari akanga ainaye,+ 10 uye akamununura mumatambudziko ake ese, akamuita kuti anzwirwe nyasha uye aratidze uchenjeri pamberi paFarao mambo weIjipiti. Uye akamugadza kuti atungamirire Ijipiti neimba yake yese.+