Genesisi 22:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana* vako vawande senyeredzi dzekudenga uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa,+ uye mwana* wako achaita kuti gedhi revavengi vake rive rake.*+ Dheuteronomi 1:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Jehovha Mwari wenyu akaita kuti muwande, uye nhasi mawanda senyeredzi dzekudenga.+ VaRoma 4:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 Kunyange zvazvo akanga asisina tariro, aiva nekutenda kwaibva patariro, kuti aizova baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa, kuti: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+ VaHebheru 11:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Saka munhu mumwe chete aiita seafa+ akabereka vana+ vakawanda senyeredzi dzekudenga uye vasingaverengeki sejecha repamahombekombe egungwa.+
17 chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana* vako vawande senyeredzi dzekudenga uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa,+ uye mwana* wako achaita kuti gedhi revavengi vake rive rake.*+
18 Kunyange zvazvo akanga asisina tariro, aiva nekutenda kwaibva patariro, kuti aizova baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa, kuti: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+
12 Saka munhu mumwe chete aiita seafa+ akabereka vana+ vakawanda senyeredzi dzekudenga uye vasingaverengeki sejecha repamahombekombe egungwa.+