-
Genesisi 27:30, 31Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 Isaka achingopedza kukomborera Jakobho, uye Jakobho achingobva pamberi pababa vake Isaka, Isau mukoma wake akabva asvika achibva kunovhima.+ 31 Iyewo akagadzira zvekudya zvinonaka, akaenda nazvo kuna baba vake, akati kuna baba vake: “Baba mukai mudye nyama yemhuka yauya nemwanakomana wenyu, kuti mundikomborere.”*
-