-
Genesisi 36:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Isau akabva atora madzimai ake, vanakomana vake, vanasikana vake, vanhu vese veimba* yake, zvipfuwo zvake zvese nepfuma yese yaakanga awana+ munyika yeKenani, akaenda kune imwe nyika iri kure naJakobho munin’ina wake.+ 7 Akadaro nekuti zvinhu zvavo zvakanga zvawandisa saka vaisagona kugara pamwe chete, uye nyika yavaigara* yakanga isisavakwaniri nekuwanda kwakanga kwaita zvipfuwo zvavo.
-