Genesisi 42:38 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 38 Asi iye akati: “Mwanakomana wangu haasi kuzoenda nemi, nekuti mukoma wake akafa uye ndiye asara.+ Kana akasangana nenjodzi akafa muri parwendo, chokwadi mungaita kuti ndipinde nebvudzi rangu jena muGuva*+ ndiine shungu.”+ Genesisi 44:29 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 Kana mukanditorerazve uyu, akawirwa netsaona akafa, chokwadi mungaita kuti ndipinde nebvudzi rangu jena muGuva*+ ndiine shungu.’+ Pisarema 89:48 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 48 Ndiani munhu angararama asingazooni rufu?+ Anogona kuzviponesa* pasimba reGuva* here? (Sera) Muparidzi 9:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Zvese zvaunokwanisa kuita neruoko rwako, zviite nesimba rako rese, nekuti kuGuva,*+ kwauri kuenda, hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri. Hosiya 13:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Ndichavadzikinura pasimba reGuva;*Ndichavadzosa kubva kuvashakabvu.+ Nhai Rufu, kuruma kwako kuri kupi?+ Nhai Guva, kuparadza kwako kuri kupi?+ Ini handizonzwiri tsitsi. Mabasa 2:27 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 27 nekuti hamuzondisiyi* muGuva,* uye hamuzoregi munhu wenyu akavimbika achiona kuora.+ Zvakazarurwa 20:13 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 13 Gungwa rakabudisa vakafa vaiva mariri, uye rufu neGuva* zvakabudisa vakafa vaiva mazviri, uye mumwe nemumwe akatongwa maererano nemabasa ake.+
38 Asi iye akati: “Mwanakomana wangu haasi kuzoenda nemi, nekuti mukoma wake akafa uye ndiye asara.+ Kana akasangana nenjodzi akafa muri parwendo, chokwadi mungaita kuti ndipinde nebvudzi rangu jena muGuva*+ ndiine shungu.”+
29 Kana mukanditorerazve uyu, akawirwa netsaona akafa, chokwadi mungaita kuti ndipinde nebvudzi rangu jena muGuva*+ ndiine shungu.’+
10 Zvese zvaunokwanisa kuita neruoko rwako, zviite nesimba rako rese, nekuti kuGuva,*+ kwauri kuenda, hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri.
14 Ndichavadzikinura pasimba reGuva;*Ndichavadzosa kubva kuvashakabvu.+ Nhai Rufu, kuruma kwako kuri kupi?+ Nhai Guva, kuparadza kwako kuri kupi?+ Ini handizonzwiri tsitsi.
13 Gungwa rakabudisa vakafa vaiva mariri, uye rufu neGuva* zvakabudisa vakafa vaiva mazviri, uye mumwe nemumwe akatongwa maererano nemabasa ake.+