-
Eksodho 26:15-18Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 “Unofanira kugadzira mafuremu+ emapuranga emubayamhondoro ekumisa tebhenekeri.+ 16 Furemu rimwe nerimwe rinofanira kunge rakareba makubhiti 10, rakafara kubhiti nehafu. 17 Furemu rimwe nerimwe ngarive nezvimakumbo zvipfupi zviviri, chimwe chiri padivi pechimwe. Aya ndiwo magadziriro aunofanira kuita mafuremu acho ese etebhenekeri. 18 Unofanira kugadzira mafuremu 20 ekurutivi rwetebhenekeri rwakatarisa kumaodzanyemba.
-