-
Eksodho 30:23-25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 “Chibva watora zvinhu zvinonhuhwirira zvakanaka kwazvo zvinoti: mashekeri 500 emura, mashekeri 250 esinamoni inotapira, mashekeri 250 ekaramusi inonhuhwirira, 24 nemashekeri 500 ekasiya anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene,*+ pamwe nemafuta emaorivhi anokwana hini* imwe chete. 25 Chibva wazvishandisa kugadzira mafuta matsvene ekuzodza nawo; zvinofanira kusanganiswa zvine unyanzvi.*+ Anofanira kuva mafuta matsvene ekuzodza nawo.
-