Eksodho 4:21 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Kana wadzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvese zvandakakupa simba rekuita pamberi paFarao.+ Asi ini ndichamurega achiomesa mwoyo,+ uye haazoregi vanhu vachienda.+ Eksodho 8:31, 32 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 31 Saka Jehovha akaita zvakataurwa naMozisi, mbuo dzikabva kuna Farao, kuvashandi vake, nekuvanhu vake. Hapana kana imwe chete yakasara. 32 Asi Farao akaomesa mwoyo wake zvakare uye haana kurega vanhu vachienda. Eksodho 14:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Kana ndiri ini, ndiri kurega mwoyo yevaIjipiti ichioma, zvekuti vachavatevera; saka ndichaita kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ese, kungoro dzake dzehondo, nekuvarwi vake vakatasva mabhiza.+
21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Kana wadzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvese zvandakakupa simba rekuita pamberi paFarao.+ Asi ini ndichamurega achiomesa mwoyo,+ uye haazoregi vanhu vachienda.+
31 Saka Jehovha akaita zvakataurwa naMozisi, mbuo dzikabva kuna Farao, kuvashandi vake, nekuvanhu vake. Hapana kana imwe chete yakasara. 32 Asi Farao akaomesa mwoyo wake zvakare uye haana kurega vanhu vachienda.
17 Kana ndiri ini, ndiri kurega mwoyo yevaIjipiti ichioma, zvekuti vachavatevera; saka ndichaita kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ese, kungoro dzake dzehondo, nekuvarwi vake vakatasva mabhiza.+