-
Numeri 27:1-5Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
27 Vanasikana vaZerofehadhi+ mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyedhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa, vakabva vasvika. Mazita evanasikana vake aiva Mahra, Noa, Hogra, Mirika, naTiza. 2 Vakamira pamberi paMozisi, nemupristi Eriyezari, nemachinda,+ neungano yese pasuo retende rekusanganira, vakati: 3 “Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasiri pakati pevatsigiri vaKora+ vakaungana kuti varwe naJehovha, asi vakafira chivi chavo uye vakanga vasina vanakomana. 4 Zita rababa vedu ringarova here nemhaka yekuti vakanga vasina mwanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.” 5 Saka Mozisi akaenda nenyaya yavo pamberi paJehovha.+
-