-
Eksodho 36:24-26Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 Akabva agadzira zvigadziko 40 zvesirivha zvine maburi zvinoiswa pasi pemafuremu 20, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete zviine panopinda zvimakumbo zvaro zviviri, uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera zviine panopinda zvimakumbo zvaro zviviri.+ 25 Akagadzira mafuremu 20 erumwe rutivi rwetebhenekeri, rutivi rwekuchamhembe 26 nezvigadziko zvawo zvesirivha 40, zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe chete uye zvigadziko zviviri zviri pasi pefuremu rimwe nerimwe rinotevera.
-