13 Akabva ati kuna Abramu: “Ziva kuti zvichatoitika kuti vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo uye kuti vanhu vemo vachavaita varanda vovatambudza kwemakore 400.+ 14 Asi ndichatonga rudzi ruchavaita varanda,+ uye vachazobuda nezvinhu zvizhinji.+