-
Dheuteronomi 4:15-18Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 “Saka ngwarirai,* sezvo musina wamakaona pazuva rakataura Jehovha nemi muHorebhi ari pakati pemoto, 16 kuti murege kuita zvakaipa nekuzvigadzirira mufananidzo wakavezwa wakafanana nechiratidzo chero chipi zvacho, mufananidzo wemunhurume kana munhukadzi,+ 17 mufananidzo wemhuka chero ipi zvayo iri panyika kana mufananidzo weshiri chero ipi zvayo inobhururuka mudenga,+ 18 mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chinokambaira panyika kana mufananidzo wehove chero ipi zvayo iri mumvura pasi penyika.+
-