-
Eksodho 19:12, 13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 Unofanira kuisira vanhu miganhu uchiritenderera rese, wovaudza kuti, ‘Ngwarirai kuti musakwira mugomo, kana kutsika pamuganhu waro. Munhu wese anobata gomo iroro chokwadi achaurayiwa. 13 Hapana ruoko runofanira kumubata, asi achaita zvekutemwa nematombo kana kupfurwa.* Ingava mhuka kana kuti munhu, haazorarami.’+ Asi kana hwamanda yenyanga yegondohwe+ yarira vanogona zvavo kukwira mugomo.”
-