RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 7:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Nekuti vachaita kuti vanakomana vako vasanditevera, voshumira vamwe vanamwari;+ Jehovha achabva akutsamwira kwazvo, uye achakurumidza kukuparadza.+

  • Dheuteronomi 31:16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ona! Wava pedyo nekufa,* uye vanhu ava vachatanga kuita unzenza hwekunamata vamwe vanamwari vakavapoteredza munyika yavari kuenda.+ Vachandisiya+ votyora sungano yangu yandakaita navo.+

  • Vatongi 2:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Asi vakaramba kuteerera kunyange vatongi vacho, uye vaiita upfambi nevamwe vanamwari, vachivapfugamira. Vakakurumidza kutsauka panzira yakanga yafambwa nemadzitateguru avo, aya akanga ateerera mirayiro yaJehovha.+ Ivo vakatadza kuitawo izvozvo.

  • Vatongi 8:33
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 33 Gidhiyoni paakangofa, vaIsraeri vakatangazve kuita unzenza hwekunamata vanaBhaari,+ uye vakagadza Bhaari-bheriti kuti ave mwari wavo.+

  • 1 Madzimambo 11:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Vaiva vemarudzi akanga anzi nezvawo naJehovha kuvaIsraeri: “Regai kupinda pakati pawo,* uye iwo ngaarege kupinda pakati penyu, nekuti chokwadi achaita kuti mwoyo yenyu itevere vanamwari vawo.”+ Asi Soromoni haana kuda kusiyana navo uye aivada.

  • Nehemiya 13:26
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 26 Havasi ivo vakaita kuti Mambo Soromoni weIsraeri atadze here? Pamarudzi mazhinji hapana mambo ainge akafanana naye;+ uye aidiwa naMwari wake,+ zvekuti Mwari akamuita mambo wevaIsraeri vese. Asi madzimai ekune dzimwe nyika akatoita kuti naiyewo atadze.+

  • Pisarema 106:28
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 28 Vakabva vatanga kunamata Bhaari wePeori,*+

      Uye vakadya zvibayiro zvakapirwa kuvakafa.*

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe