-
Revhitiko 11:21-24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
21 “‘Pazvisikwa zvese zvine mapapiro zvinofamba zvakawanda, zvichifamba nemakumbo ese mana, munogona henyu kudya zviya zvine mamwe makumbo azvinoshandisa pakusvetuka, akareba kupfuura azvinofamba nawo. 22 Munogona henyu kudya izvi: marudzi akasiyana-siyana emhashu dzinotama-tama, dzimwewo mhashu dzinodyiwa,+ makurwe, nehwiza. 23 Zvimwe zvisikwa zvese zvine mapapiro zvinofamba zvakawanda zvine makumbo mana zvinhu zvinosemesa kwamuri. 24 Izvi zvinokusvibisai. Munhu wese anozvibata kana zvafa achange asina kuchena kusvikira manheru.+
-