-
Eksodho 29:27, 28Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
27 Unofanira kuita kuti zvinhu izvi zvive zvitsvene: chityu chechibayiro chinovheyeswa, negumbo remugove mutsvene wakavheyeswa, wakabviswa pagondowe rekugadzwa+ kwaAroni nevanakomana vake. 28 Zvinofanira kuva zvaAroni nevanakomana vake maererano nemurau unofanira kugara uripo uchitevedzerwa nevaIsraeri, nekuti iwo mugove mutsvene, uye uchava mugove mutsvene unopiwa nevaIsraeri.+ Ndiwo mugove wavo mutsvene wavanopa Jehovha pazvibayiro zverugare.+
-