-
Revhitiko 2:2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Anofanira kubva auya nawo kuvanakomana vaAroni, vapristi, uye mupristi wacho achanokora furawa yacho yakatsetseka ine mafuta pamwe chete nezvinonhuhwirira zvayo zvese, uye achaita kuti chitsama ichi chipfungaire pamusoro peatari chichimiririra mupiro wabviswa,*+ mupiro unopiswa nemoto unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.
-
-
Revhitiko 5:11, 12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 “‘Asi kana asingagoni kuwana njiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechegumi cheefa*+ yefurawa yakatsetseka semupiro wake wechivi chaakaita kuti uve mupiro wechivi. Haafaniri kuuisa mafuta kana kuisa zvinonhuhwirira zvichena pamusoro pawo, nekuti iwo mupiro wechivi. 12 Achauya nawo kumupristi, uye mupristi anofanira kunokora furawa yacho kuti imiririre mupiro wabviswa* uye anofanira kuita kuti ipfungaire paatari pamusoro pezvibayiro zvinopisirwa Jehovha nemoto. Iwo mupiro wechivi.
-