Revhitiko 5:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 “Kana munhu akatadza pakuti anoita chimwe chezvinhu zvinorayirwa naJehovha kuti hazvifaniri kuitwa, kunyange asina kuzviziva, munhu iyeye anongonzi ane mhosva uye achazvidavirira kutadza kwake.+ Numeri 15:27, 28 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 27 “‘Kana munhu akatadza nekusaziva, anofanira kuuya nembudzi hadzi isati yapfuura gore kuti ive chibayiro chechivi.+ 28 Uye mupristi achayananisira munhu wacho akakanganisira Jehovha asingazivi, kuti chivi chacho chiyananisirwe, uye acharegererwa.+
17 “Kana munhu akatadza pakuti anoita chimwe chezvinhu zvinorayirwa naJehovha kuti hazvifaniri kuitwa, kunyange asina kuzviziva, munhu iyeye anongonzi ane mhosva uye achazvidavirira kutadza kwake.+
27 “‘Kana munhu akatadza nekusaziva, anofanira kuuya nembudzi hadzi isati yapfuura gore kuti ive chibayiro chechivi.+ 28 Uye mupristi achayananisira munhu wacho akakanganisira Jehovha asingazivi, kuti chivi chacho chiyananisirwe, uye acharegererwa.+