-
Dheuteronomi 13:6-9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 “Kana munin’ina wako, mwanakomana waamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo,* akaedza kukufurira pachivande achiti, ‘Handei tinoshumira vamwe vanamwari,’+ vanamwari vausina kuziva, iwe kana madzitateguru ako, 7 pakati pevamwe vanamwari vemarudzi akakupoteredza, vangava vari pedyo newe kana kuti vari kure, kubva kune mumwe mugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika, 8 usabvuma zvaanotaura kana kumuteerera,+ kana kumunzwira tsitsi kana kusiririswa naye kana kumudzivirira; 9 asi unotofanira kumuuraya.+ Ruoko rwako ndirwo runofanira kuva rwekutanga kuva paari kuti umuuraye, maoko evamwe vese ozotevera.+
-