38 Kanenge kari pahuma yaAroni, uye Aroni achazvidavirira kana paine munhu anenge akanganisa chimwe chinhu pazvinhu zvitsvene,+ zvinotsaurwa nevaIsraeri vachipa sezvipo zvitsvene. Kanofanira kugara kari pahuma yake, kuitira kuti vagamuchirwe pamberi paJehovha.