-
Rute 4:4-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Saka ndafunga kuti ndikuzivise nyaya iyi, uye ndikuudze kuti, ‘Tenga munda wacho pamberi pevagari vemuno nevakuru vevanhu vekwangu.+ Kana uchida kuudzikinura, udzikinure. Asi kana usingadi kuudzikinura, ndiudze ndizive, nekuti ndiwe une kodzero yekuudzikinura, ini ndichizokutevera.’” Akamupindura achiti: “Ndinoda kuudzikinura.”+ 5 Bhoazi akabva ati: “Zuva rauchatenga munda wacho kuna Naomi, unofanira kubva wautengawo kuna Rute muMoabhi, mudzimai wemurume akafa, kuti zita remurume akafa ridzorerwe panhaka yake.”+ 6 Mudzikinuri wacho akati: “Handikwanisi kuudzikinura, nekuti ndingaparadza nhaka yangu. Udzikinure hako nekodzero yangu yekudzikinura, nekuti ini handikwanisi kuudzikinura.”
-