Numeri 34:13 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 13 Saka Mozisi akarayira vaIsraeri achiti: “Iyi ndiyo nyika yamuchagovana senhaka yenyu muchishandisa mujenya,+ sezvakarayirwa naJehovha kuti ipiwe madzinza 9, nehafu yerimwe dzinza. Joshua 14:2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 Nhaka yavo yakagovewa pachishandiswa mujenya,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha achishandisa Mozisi kuti ipiwe kumadzinza 9 nehafu.+ Joshua 17:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Vakabva vaenda kwaiva nemupristi Eriyezari+ naJoshua mwanakomana waNuni, nemachinda, vakati: “Jehovha ndiye akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.”+ Saka vakapiwa nhaka pakati pehama dzababa vavo,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Joshua 18:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Imi nyorai zvakaita nyika yacho, moikamura kuti ive migove minomwe, moiunza kuno kwandiri, uye ini ndichakukandirai mijenya+ pano pamberi paJehovha Mwari wedu. Zvirevo 16:33 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 33 Mujenya unokandirwa pamakumbo,+Asi zvisarudzo zvese zvinobuda zvinobva kuna Jehovha.+
13 Saka Mozisi akarayira vaIsraeri achiti: “Iyi ndiyo nyika yamuchagovana senhaka yenyu muchishandisa mujenya,+ sezvakarayirwa naJehovha kuti ipiwe madzinza 9, nehafu yerimwe dzinza.
2 Nhaka yavo yakagovewa pachishandiswa mujenya,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha achishandisa Mozisi kuti ipiwe kumadzinza 9 nehafu.+
4 Vakabva vaenda kwaiva nemupristi Eriyezari+ naJoshua mwanakomana waNuni, nemachinda, vakati: “Jehovha ndiye akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.”+ Saka vakapiwa nhaka pakati pehama dzababa vavo,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha.
6 Imi nyorai zvakaita nyika yacho, moikamura kuti ive migove minomwe, moiunza kuno kwandiri, uye ini ndichakukandirai mijenya+ pano pamberi paJehovha Mwari wedu.