-
Dheuteronomi 1:34-38Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
34 “Nguva yese iyoyo Jehovha ainzwa mashoko enyu, uye akatsamwa, akapika achiti,+ 35 ‘Hapana kana mumwe wevarume ava vechizvarwa ichi chakaipa achaona nyika yakanaka yandakapika kuti ndichapa madzibaba enyu,+ 36 kunze kwaKarebhi mwanakomana waJefune. Achaiona, uye ndichapa iye pamwe nevanakomana vake nyika yaakafamba mairi, nekuti akatevera Jehovha nemwoyo wese.*+ 37 (Jehovha akatonditsamwirawo ini nekuda kwenyu, uye akati, “Iwewo hauzopindi imomo.+ 38 Joshua mwanakomana waNuni, mubatsiri wako,*+ ndiye achapinda munyika yacho.+ Musimbise*+ nekuti ndiye achaita kuti Israeri aigare nhaka.”)
-