Eksodho 23:31 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 31 “Ndichaisa muganhu wako kubvira kuGungwa Dzvuku kusvikira kugungwa revaFiristiya uye kubvira kurenje kusvikira kuRwizi;*+ nekuti ndichaisa vagari vemunyika yacho muruoko rwako, uye uchavadzinga pamberi pako.+ Joshua 15:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Nyika yakapiwa+ dzinza raJudha* kuti ive yemhuri dzavo yaisvika kumuganhu weEdhomu,+ renje reZini, uye kunoperera Negebhu, kumaodzanyemba kwayo. Joshua 15:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Waipfuurira kuenda kuAzmoni,+ woenda kuRwizi* rweIjipiti,+ uye muganhu wacho waiperera kuGungwa.* Uyu ndiwo waiva muganhu wavo wekumaodzanyemba.
31 “Ndichaisa muganhu wako kubvira kuGungwa Dzvuku kusvikira kugungwa revaFiristiya uye kubvira kurenje kusvikira kuRwizi;*+ nekuti ndichaisa vagari vemunyika yacho muruoko rwako, uye uchavadzinga pamberi pako.+
15 Nyika yakapiwa+ dzinza raJudha* kuti ive yemhuri dzavo yaisvika kumuganhu weEdhomu,+ renje reZini, uye kunoperera Negebhu, kumaodzanyemba kwayo.
4 Waipfuurira kuenda kuAzmoni,+ woenda kuRwizi* rweIjipiti,+ uye muganhu wacho waiperera kuGungwa.* Uyu ndiwo waiva muganhu wavo wekumaodzanyemba.