-
Numeri 4:31-33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
31 Izvi ndizvo zvavanofanira kutakura+ pabasa ravo ravanoita patende rekusanganira: mafuremu+ etebhenekeri, mbariro+ dzayo, mbiru+ dzayo, zvigadziko zvayo zvine maburi;+ 32 mbiru+ dzakapoteredza chivanze, zvigadziko+ zvadzo, hoko+ dzadzo, netambo dzadzo dzetende pamwe chete nezvekushandisa zvadzo zvese nemabasa ese anobatana neizvi. Uchavapa maererano nemazita avo zvinhu zvavanofanira kutakura. 33 Aya ndiwo mashandiro achaitwa nemhuri dzevanakomana vaMerari+ pavanenge vachishumira vari patende rekusanganira, vari pasi paItamari mwanakomana wemupristi Aroni.”+
-