-
Revhitiko 21:10-12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 “‘Munhu anenge ari mupristi mukuru pakati pehama dzake uye anenge akadururirwa mafuta ekuzodza nawo mumusoro+ uye akagadzwa* kuti apfeke nguo dzeupristi,+ haafaniri kurega musoro wake wakati nyangarara kana kubvarura nguo dzake.+ 11 Haafaniri kusvika pedyo nemunhu upi zvake akafa;*+ haafaniri kuzvisvibisa kunyange panofa baba vake kana amai vake. 12 Haafaniri kubuda munzvimbo tsvene uye haafaniri kusvibisa nzvimbo tsvene yaMwari wake,+ nekuti chiratidzo chekutsaurira, iwo mafuta ekuzodza nawo aMwari wake,+ chiri paari. Ndini Jehovha.
-