-
Pisarema 42:mashoko ekusuma-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
Kumutungamiriri. Maskiri.* Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
2 Ndine* nyota yekuva naMwari, yekuva naMwari mupenyu.+
Ndingauya riini kuzozviratidza pamberi paMwari?+
3 Misodzi yangu yava zvekudya zvangu siku nesikati;
Vanhu vanoswera vachindinyomba vachiti: “Mwari wako ari kupi?”+
4 Izvi ndizvo zvandinoyeuka, uye ndinodurura mweya* wangu,
Nekuti ndaimbofamba nevanhu vakawanda;
Ndaimbofamba zvishoma nezvishoma ndiri pamberi pavo tichienda kuimba yaMwari,
Tichifara uye tichionga,
Ruzhinji rwevanhu ruchipemberera mutambo.+
Nei ndisina kugadzikana mukati mangu?
6 Mwari wangu, ndapererwa* netariro.+
Ndokusaka ndichikuyeukai,+
Ndiri munyika yeJodhani nepanzvimbo dzakakwirira dzeHemoni,
Ndiri paGomo reMiza.*
7 Mvura yakadzika inoshevedza mvura yakadzika
Painonzwa kutinhira kwemapopoma emvura yenyu.
Masaisai enyu ese ane simba andinyudza.+
8 Masikati Jehovha achandipa rudo rwake rusingachinji,
Uye manheru rwiyo rwake ruchava neni, munyengetero kuna Mwari weupenyu hwangu.+
9 Ndichati kuna Mwari, kuibwe rangu:
“Mandikanganwireiko?+
Nei ndichifanira kufamba ndakasuruvara nemhaka yekudzvinyirirwa nemuvengi wangu?”+
10 Vavengi vangu vanondinyomba zvekuda kundiuraya;*
Vanoswera vachindinyomba vachiti: “Mwari wako ari kupi?”+
Nei ndisina kugadzikana mukati mangu?
-