14 musarega mwoyo yenyu ichizvikudza+ yoita kuti mukanganwe Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti, muimba yeuranda,+ 15 akakufambisai nemurenje guru rinotyisa,+ maiva nenyoka dzine uturu, nemarize, nevhu rakaoma risina mvura. Akaita kuti mvura ibude padombo rakaomarara+