Eksodho 32:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Munoda here kuti vaIjipiti vazoti, ‘Aivafungira zvakaipa paakavabudisa muno. Aida kuvaurayira mumakomo uye kuvaparadza panyika’?+ Dzorai hasha dzenyu huru uye dzorai mwoyo wenyu,* murege kuunzira vanhu venyu dambudziko iri. Numeri 14:15, 16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Kana mukauraya vanhu ava vese panguva imwe chete,* marudzi akanzwa nezvemukurumbira wenyu achati: 16 ‘Jehovha akatadza kusvitsa vanhu ava munyika yaakavapikira kuti aizovapa, saka akavaurayira murenje.’+
12 Munoda here kuti vaIjipiti vazoti, ‘Aivafungira zvakaipa paakavabudisa muno. Aida kuvaurayira mumakomo uye kuvaparadza panyika’?+ Dzorai hasha dzenyu huru uye dzorai mwoyo wenyu,* murege kuunzira vanhu venyu dambudziko iri.
15 Kana mukauraya vanhu ava vese panguva imwe chete,* marudzi akanzwa nezvemukurumbira wenyu achati: 16 ‘Jehovha akatadza kusvitsa vanhu ava munyika yaakavapikira kuti aizovapa, saka akavaurayira murenje.’+