Vatongi 2:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 Pese pavaipiwa vatongi naJehovha,+ Jehovha aibva ava nemutongi wacho ovaponesa kubva mumaoko evavengi vavo mazuva ese emutongi wacho; nekuti Jehovha aivanzwira tsitsi*+ nekugomera kwavaiita kwaikonzerwa nevaya vaivadzvinyirira+ nevaya vaivaitira utsinye. Pisarema 90:13 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 13 Dzokai, haiwa Jehovha!+ Izvi zvicharamba zvakadai kusvikira riini?+ Nzwirai tsitsi vashumiri venyu.+ Pisarema 106:45 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 45 Aiyeuka sungano yake navo,Uye ainzwa tsitsi,* pamusana perudo rwake rukuru rusingachinji.+ Pisarema 135:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Nekuti Jehovha achadzivirira vanhu vake,*+Uye achanzwira tsitsi vashumiri vake.*+
18 Pese pavaipiwa vatongi naJehovha,+ Jehovha aibva ava nemutongi wacho ovaponesa kubva mumaoko evavengi vavo mazuva ese emutongi wacho; nekuti Jehovha aivanzwira tsitsi*+ nekugomera kwavaiita kwaikonzerwa nevaya vaivadzvinyirira+ nevaya vaivaitira utsinye.
13 Dzokai, haiwa Jehovha!+ Izvi zvicharamba zvakadai kusvikira riini?+ Nzwirai tsitsi vashumiri venyu.+