32 Haiwa imi umambo hwenyika, imbirai Mwari,+
Imbai muchirumbidza Jehovha, (Sera)
33 Imbirai uya akatasva denga rematenga ekare.+
Onai! Iye anotinhira nenzwi rake, inzwi rake rine simba.
34 Bvumai simba rina Mwari.+
Ukuru hwake huri pamusoro paIsraeri,
Uye simba rake riri mudenga.