-
Numeri 35:22-24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 “‘Asi kana akamusunda netsaona asingamuvengi kana kuti akakanda chimwe chinhu kwaari asina chinangwa chekumukuvadza,*+ 23 kana kuti akakonzera kuti dombo ridonhere paari asingamuoni uye asingamuvengi kana kuti asingatsvagi kumukuvadza, munhu wacho ofa, 24 ungano inofanira kutonganisa akauraya wacho nemutsivi weropa ichishandisa mitongo iyi.+
-