-
VaHebheru 12:5-7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 Uye matokanganwa zvachose mashoko amaiudzwa sevanakomana ekuti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kurayirwa* kwaunoitwa naJehovha,* uye usaora mwoyo* paunoruramiswa naye; 6 nekuti Jehovha* anorayira vaanoda, tingatoti anoranga* munhu wese waanogamuchira semwanakomana.”+
7 Munofanira kutsungirira nekuti munenge muchiratidza kuti muri kubvuma kurangwa.* Mwari ari kukubatai sevanakomana vake.+ Nekuti ndeupi mwanakomana asingarayirwi nababa vake?+
-