Numeri 18:20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 20 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Aroni: “Hauzovi nenhaka munyika yavo, uye hauzovi nemugove wevhu pakati pavo.+ Ini ndini mugove wako nenhaka yako pakati pevaIsraeri.+ Numeri 18:24 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 24 Nekuti ndapa vaRevhi chegumi chichabviswa nevaIsraeri kuna Jehovha kuti ive nhaka yavo. Ndokusaka ndati kwavari, ‘Havafaniri kuwana nhaka pakati pevaIsraeri.’”+ Dheuteronomi 18:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 “Vapristi vedzinza raRevhi, uye vanhu vedzinza rese zvaro raRevhi, havafaniri kupiwa mugove kana nhaka pamwe chete naIsraeri. Vachadya zvinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto, zvinova ndizvo nhaka yake.+
20 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Aroni: “Hauzovi nenhaka munyika yavo, uye hauzovi nemugove wevhu pakati pavo.+ Ini ndini mugove wako nenhaka yako pakati pevaIsraeri.+
24 Nekuti ndapa vaRevhi chegumi chichabviswa nevaIsraeri kuna Jehovha kuti ive nhaka yavo. Ndokusaka ndati kwavari, ‘Havafaniri kuwana nhaka pakati pevaIsraeri.’”+
18 “Vapristi vedzinza raRevhi, uye vanhu vedzinza rese zvaro raRevhi, havafaniri kupiwa mugove kana nhaka pamwe chete naIsraeri. Vachadya zvinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto, zvinova ndizvo nhaka yake.+