Eksodho 23:24 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 24 Musakotamira vanamwari vavo kana kufurirwa kuti muvashumire, uye musatevedzera zvavanoita.+ Asi munofanira kuparadza zvidhori zvavo, uye kuputsa shongwe dzavo dzinoyera.+ Revhitiko 26:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 26 “‘Musazvigadzirira vanamwari vasina zvavanobatsira,+ uye musazvimisira mufananidzo wakavezwa+ kana kuti shongwe dzinoyera, uye musamisa dombo rakavezwa+ munyika yenyu kuti murikotamire;+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Dheuteronomi 12:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Munofanira kuputsa atari dzavo, mopwanya shongwe dzavo dzinoyera,+ mopisa matanda avo anoyera* mumoto, uye moputsa mifananidzo yakavezwa yavanamwari vavo+ moita kuti mazita avo asayeukwa zvachose munzvimbo iyoyo.+
24 Musakotamira vanamwari vavo kana kufurirwa kuti muvashumire, uye musatevedzera zvavanoita.+ Asi munofanira kuparadza zvidhori zvavo, uye kuputsa shongwe dzavo dzinoyera.+
26 “‘Musazvigadzirira vanamwari vasina zvavanobatsira,+ uye musazvimisira mufananidzo wakavezwa+ kana kuti shongwe dzinoyera, uye musamisa dombo rakavezwa+ munyika yenyu kuti murikotamire;+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
3 Munofanira kuputsa atari dzavo, mopwanya shongwe dzavo dzinoyera,+ mopisa matanda avo anoyera* mumoto, uye moputsa mifananidzo yakavezwa yavanamwari vavo+ moita kuti mazita avo asayeukwa zvachose munzvimbo iyoyo.+