Joshua 15:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Muganhu wacho waienda kuBani reMwanakomana waHinomu+ kusvika kumateru evaJebhusi+ kumaodzanyemba, kureva Jerusarema,+ uye waikwira uchienda nepamusoro pegomo rakatarisana neBani raHinomu kumavirira, riri panogumira Bani reRefaimu kuchamhembe. Joshua 15:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Muganhu wekumavirira waiva kuGungwa Guru,*+ pamhenderekedzo yaro. Uyu ndiwo waiva muganhu kumativi ese enyika yevanhu vekwaJudha maererano nemhuri dzavo. 1 Makoronike 11:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Gare gare Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakaenda kuJerusarema, kureva Jebhusi,+ nyika yaigarwa nevaJebhusi.+ 2 Makoronike 3:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Soromoni akabva atanga kuvaka imba yaJehovha+ muJerusarema muGomo reMoriya,+ umo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi,+ panzvimbo yakanga yagadzirwa naDhavhidhi paburiro raOrinani+ muJebhusi.
8 Muganhu wacho waienda kuBani reMwanakomana waHinomu+ kusvika kumateru evaJebhusi+ kumaodzanyemba, kureva Jerusarema,+ uye waikwira uchienda nepamusoro pegomo rakatarisana neBani raHinomu kumavirira, riri panogumira Bani reRefaimu kuchamhembe.
12 Muganhu wekumavirira waiva kuGungwa Guru,*+ pamhenderekedzo yaro. Uyu ndiwo waiva muganhu kumativi ese enyika yevanhu vekwaJudha maererano nemhuri dzavo.
4 Gare gare Dhavhidhi nevaIsraeri vese vakaenda kuJerusarema, kureva Jebhusi,+ nyika yaigarwa nevaJebhusi.+
3 Soromoni akabva atanga kuvaka imba yaJehovha+ muJerusarema muGomo reMoriya,+ umo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi,+ panzvimbo yakanga yagadzirwa naDhavhidhi paburiro raOrinani+ muJebhusi.