-
Vatongi 4:21, 22Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
21 Asi Jaeri mudzimai waHebheri akatora hoko yetende nesando. Zvino murume wacho paakanga akafa zvake nehope uye akarukutika, Jaeri akanyahwaira achienda paaiva, akarovera hoko yacho nechepamberi penzeve yake, ikabuda nekuseri ichinobaya pasi, achibva afa.+
22 Bheraki akaenda ikoko achitsvaga Sisera, uye Jaeri akabuda kunomuchingura akati kwaari: “Uyai ndikuratidzei murume wamuri kutsvaga.” Saka akapinda naye mutende akaona Sisera akati rabada akafa, hoko iri mumusoro make.
-
-
Vatongi 5:26Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
Uye akarovera hoko mumusoro maSisera akaupwanya,
Akapwanya musoro wake akauboora.+
-