-
1 Samueri 13:5, 6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 VaFiristiya vakaunganawo kuti varwe nevaIsraeri, vaine ngoro dzehondo 30 000 nevatasvi vemabhiza 6 000 nemauto akawanda sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa;+ uye vakakwidza vakanodzika musasa muMikmashi kumabvazuva kweBheti-avheni.+ 6 Varume veIsraeri vakaona kuti zvinhu zvakanga zvavaipira, nekuti vakanga vaiswa panguva yakaoma; saka vanhu vakahwanda mumapako,+ mumakomba, mumatombo, muninga nemumigodhi yemvura.
-