-
Vatongi 3:28Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
28 Akabva ati kwavari: “Nditeverei, nekuti Jehovha aisa vavengi venyu, vaMoabhi, mumaoko enyu.” Saka vakamutevera, vakanomira pamazambuko aJodhani kuti vatadzise vaMoabhi kuyambuka, uye havana kubvumira chero munhu upi zvake kuyambuka.
-
-
Vatongi 7:24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 Gidhiyoni akatuma nhume munyika ine makomo yaEfremu yese, achiti: “Burukai munorwisa vaMidhiyani, moenda kunomira kumazambuko kuBheti-bhara neJodhani kuti vatadze kuyambuka.” Saka varume vese vaEfremu vakaunganidzwa pamwe chete, uye vakavavharidzira pamvura yacho kunosvika kuBheti-bhara neJodhani.
-