RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 28:30
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 30 Uise Urimu neTumimu*+ muhomwe yepachipfuva yekutonga, uye ngazvive pamwoyo paAroni paanouya pamberi paJehovha, uye Aroni anofanira kutakura zvinoshandiswa pakutonga vaIsraeri pamwoyo pake pamberi paJehovha nguva dzese.

  • Dheuteronomi 33:8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 NezvaRevhi akati:+

      “Tumimu yenyu* neUrimu+ yenyu ndezvemurume akavimbika kwamuri,+

      Wamakaedza paMasa.+

      Makatanga kurwisana naye pedyo nemvura yeMeribha,+

  • Ezra 2:62, 63
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 62 Ava vakatsvaga zvinyorwa zvavo kuti varatidze kuti dzinza ravo nderipi, asi vakazvishaya, saka vakanzi havana kukodzera kuva vapristi.*+ 63 Saka gavhuna* akavaudza kuti havangadyi zvinhu zvitsvenetsvene+ kusvikira pava nemupristi anobvunza Urimu neTumimu.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe