-
Vatongi 20:15, 16Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 Pazuva iroro, vaBhenjamini vakaunganidza varume 26 000 vaiva nemapakatwa kubva mumaguta avo, tisingabatanidzi varume 700 vemuGibhiya vaiva shasha dzekurwa. 16 Muuto iri maiva nevarume 700 vaiva shasha dzekurwa vaishandisa ruboshwe. Mumwe nemumwe wevarume ava aikwanisa kupotsera dombo nechipfuramabwe zvekugona kurova kabvudzi kamwe chete uye aisapotsa.
-