1 Samueri 19:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Akaisa upenyu hwake pangozi* kuti auraye muFiristiya,+ zvekuti Jehovha akaita kuti vaIsraeri vakunde zvikuru. Imi makazviona, uye makafara chaizvo. Saka mungaitirei zvakaipa kuropa risina mhosva nekuita kuti Dhavhidhi aurayiwe pasina chikonzero?”+ Zvirevo 17:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese+Uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.+ Zvirevo 18:24 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 24 Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa,+Asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.+
5 Akaisa upenyu hwake pangozi* kuti auraye muFiristiya,+ zvekuti Jehovha akaita kuti vaIsraeri vakunde zvikuru. Imi makazviona, uye makafara chaizvo. Saka mungaitirei zvakaipa kuropa risina mhosva nekuita kuti Dhavhidhi aurayiwe pasina chikonzero?”+
17 Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese+Uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.+