-
1 Samueri 18:6-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Dhavhidhi nevamwe pavaidzoka vachibva kunouraya vaFiristiya, vakadzi vaibuda mumaguta ese evaIsraeri vachiimba+ nekutamba kuti vanochingura Mambo Sauro, vaine matambureni,+ vachifara uye vaine zviridzwa zvine tambo nhatu. 7 Vakadzi vacho vaipemberera vachiimba vachiti:
“Sauro akauraya zviuru zvake,
Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake.”+
8 Sauro akatsamwa kwazvo,+ uye rwiyo urwu rwakamugumbura nekuti aiti: “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru, asi ini vandipa zviuru. Changosara ndechekuti vamupe umambo!”+
-
-
1 Samueri 29:4, 5Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Asi machinda evaFiristiya akamutsamwira, akati kwaari: “Ita kuti murume uyu adzokere.+ Ngaadzokere kunzvimbo yawakamupa. Usamurega achienda nesu kunorwa, kuti asazotipandukira patinenge tichirwa.+ Nekuti chii chimwe chaangaita kuti afarirwe nashe wake chinopfuura kumupa misoro yevarume vedu? 5 Uyu haasi iye here Dhavhidhi uya wavakaimba nezvake vachitamba, vachiti:
‘Sauro akauraya zviuru zvake,
Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?”+
-