RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Numeri 23:19
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 Mwari haasi munhuwo zvake anotaura nhema,+

      Uye haana kufanana nemwanakomana wemunhu anochinja pfungwa.*+

      Kana akataura chimwe chinhu, angarega kuchiita here?

      Kana akataura, anotadza kuzvizadzisa here?+

  • 1 Samueri 2:31-34
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 31 Inzwa! Mazuva achasvika pandichakutorera masimba auinawo neeimba yababa vako, zvekuti hapazovi nemurume wemumba mako achararama kusvika pakukwegura.+ 32 Pazvinhu zvese zvakanaka zvichaitirwa vaIsraeri,+ iwe uchangoona muvengi chete mandinogara, uye mumba mako hamuzovi zvakare nemurume anosvika pakukwegura. 33 Murume wemuimba yako wandisiri kubvisa pakushumira paatari yangu achaita kuti maziso ako asaone uye achaita kuti ushungurudzike,* asi vakawanda veimba yako vachaurayiwa nebakatwa.+ 34 Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naFiniyasi zvichava chiratidzo kwauri: Vese vari vaviri vachafa zuva rimwe chete.+

  • Isaya 55:10, 11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Nekuti sezvinoita mvura nechando zvinonaya zvichibva kudenga,

      Izvo zvisingadzokeri ikoko kusvikira zvanyatsonyorovesa nyika, zvoita kuti ibereke uye imere,

      Zvopa mudyari mbeu uye zvekudya kune anodya,

      11 Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu.+

      Harizodzoki kwandiri risina zvaraita,+

      Asi richatoita zvese zvandinofarira,*+

      Uye richatobudirira pane zvandinorituma kuti riite.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe