-
1 Makoronike 10:1-5Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Zvino vaFiristiya vakanga vachirwa nevaIsraeri. Varume veIsraeri vakatiza vaFiristiya, uye vakawanda vakaurayiwa muGomo reGiribhoa.+ 2 VaFiristiya vakaramba vakati name name naSauro nevanakomana vake, uye vaFiristiya vakauraya Jonatani, Abhinadhabhi, naMariki-shua,+ vanakomana vaSauro. 3 Hondo yacho yakanga yava kupisa ichiomera Sauro, uye vaya vaipfura neuta vakamuwana, vakamukuvadza.+ 4 Sauro akabva ati kumutakuri wezvombo zvake: “Vhomora bakatwa rako undibaye naro, kuti varume ava vasina kuchecheudzwa varege kuuya, vondiitira utsinye.”+ Asi mutakuri wezvombo zvake akanga asingadi kumubaya, nekuti aitya chaizvo. Saka Sauro akatora bakatwa racho, akawira pariri.+ 5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro akanga afa, iyewo akabva awira pabakatwa rake akafa.
-