-
1 Makoronike 20:2, 3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Dhavhidhi akabva abvisa korona yaiva mumusoro maMarikamu,* akaona kuti yairema tarenda* rimwe chete regoridhe, uye yaiva nematombo anokosha. Korona yacho yakaiswa mumusoro maDhavhidhi. Akapambawo zvinhu zvakawanda chaizvo muguta racho.+ 3 Akabudisa vanhu vaiva mariri, akaita kuti vaite basa+ rekucheka matombo nerimwe basa ravaiita nemidziyo yesimbi yakapinza nematemo. Ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi kumaguta ese evaAmoni. Dhavhidhi akabva azodzokera kuJerusarema nemauto ese.
-