-
Vatongi 20:5, 6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 Vagari veGibhiya* vakasimuka kuti vandirwise, vakakomba imba usiku. Ndini wavaida kuuraya, asi vakazobata murongo wangu chibharo, akafa.+ 6 Saka ndakatora mutumbi wemurongo wangu ndikaudimbura-dimbura ndikabva ndatumira zvidimbu zvacho kunharaunda imwe neimwe yenhaka yevaIsraeri,+ nekuti vakanga vaita zvinhu zvinonyadzisa chaizvo uye zvakafumuka muIsraeri.
-