-
2 Samueri 14:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 Joabhi mwanakomana waZeruya+ akaziva kuti mwoyo wamambo waisuwa Absaromu.+ 2 Saka Joabhi akatumira shoko kuTekoa+ akashevedza mumwe mukadzi akangwara kubva ikoko, akati kwaari: “Nyepedzera kunge munhu akafirwa ari kuchema, upfeke nguo dzekuchema, uye usazora mafuta.+ Ita semukadzi akafirwa ava nenguva yakareba achichema. 3 Ubve waenda kuna mambo utaure naye mashoko aya.” Joabhi akabva amuudza zvekutaura.
-