2 Dhavhidhi akatumira varume vaaiva navo vari muzvikwata zvitatu, chekutanga chaiva pasi paJoabhi,+ chimwe chiri pasi paAbhishai+ mwana waamai vaJoabhi vainzi Zeruya,+ uye chimwe chiri pasi paItai+ wekuGati. Mambo akabva ati kuvarume vacho: “Ndichaendawo nemi.”