-
1 Makoronike 21:24-28Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 Asi Mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani: “Aiwa, ndinofanira kuitenga nemutengo wakakwana, nekuti handingatori zvinhu zvako ndozvipa Jehovha kana kupa zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.”+ 25 Saka Dhavhidhi akapa Orinani goridhe rairema mashekeri* 600 kuti atenge nzvimbo yacho. 26 Dhavhidhi akabva avakira Jehovha atari+ ipapo, akapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare, uye akashevedzera kuna Jehovha, uyo akamupindura nemoto+ wakabva kudenga ukaenda paatari yekupisira zvibayiro. 27 Jehovha akabva arayira ngirozi+ yacho kuti idzorere bakatwa rayo mumuhara. 28 Panguva iyoyo, Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura ari paburiro raOrinani muJebhusi, akaramba achibayira zvibayiro ipapo.
-